Varoma 11:24-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?

25. Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira vaHedheni vakakwana vapinda.

26. Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“PaZioni pachabuda musununguri;achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.

27. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.”

28. Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba,

29. nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

30. Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo,

31. saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri.

32. Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.

33. Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!Kutonga kwake hakunganzverwi,uye makwara ake haangarondwi!

34. “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe?Kana akava mupi wake wamazano?”

35. “Ndianiko akambopa kuna Mwarikuti Mwari angamuripirazve?”

36. Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

Varoma 11