Varoma 10:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndokwokuti vaponeswe.

2. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.

3. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.

4. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.

5. Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”

6. Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga?’ ” (ndiko kuburutsa Kristu)

7. “kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ ” (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).

Varoma 10