Vahebheru 9:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake.

27. Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,

28. saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

Vahebheru 9