Vahebheru 8:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.”

6. Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.

7. Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano.

8. Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati:“Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe,yandichaita sunganoitsva neimba yaIsraeri,uye neimba yaJudha,

Vahebheru 8