Vahebheru 4:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.

2. Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.

3. Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti:“Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti,‘Havazopindi muzororo rangu.’ ”Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.

4. Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”

5. Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”

6. Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.

7. Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,musaomesa mwoyo yenyu.”

Vahebheru 4