1. Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
2. Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
3. Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
4. nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5. Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati:“Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira,asi muviri wamakandigadzirira;
6. zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivihamuna kufadzwa nazvo.
7. Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano,mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu,ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8. Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo” (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).
9. Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.
10. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.
11. Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
12. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
13. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,