Vafiripi 3:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi.

2. Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vokucheka nyama.

3. Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,

4. kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro.Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:

5. ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi;

6. kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kururama kwomurayiro, handina mhosva.

7. Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.

Vafiripi 3