Tito 3:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,

7. kuitira kuti mushure mokunge tashayirwa mhosva nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi.

8. Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose.

9. Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri.

Tito 3