Ruka 7:35-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.”

36. Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye.

37. Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuwira earabhasteri,

38. uye paakanga akamira shure kwake patsoka dzake achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuwira.

Ruka 7