Ruka 23:35-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”

36. Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga

37. vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”

38. Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.

39. Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”

40. Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko?

41. Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.”

42. Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.”

43. Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”

44. Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe,

45. nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati.

46. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.

47. Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”

48. Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakadzokera.

49. Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.

Ruka 23