Ruka 23:21-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

22. Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”

23. Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.

24. Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.

25. Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.

26. Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.

27. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.

28. Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu.

29. Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’

30. Ipapo“vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’

31. Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?”

32. Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.

33. Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.

34. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.

Ruka 23