Ruka 16:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari.

16. “Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri.

17. Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku komurayiro kabviswe.

18. “Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.

19. “Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose.

20. Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda

21. uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.

22. “Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa.

23. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake.

Ruka 16