Ruka 1:64-70 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

64. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.

65. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.

66. Munhu wose akazvinzwa akashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.

67. Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:

68. “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe,nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.

69. Iye akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,

70. sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,

Ruka 1