Revhitiko 7:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. uye zvipiriso zvose zvezviyo zvingava zvakasangana namafuta kana zvakaoma, ndezvavanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, zvakamuringana.

11. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chokuwadzana, chinogona kupiwa nomunhu kuna Jehovha.

12. “ ‘Kana akachipa sechiratidzo chokuvonga ipapo pamwe chete nechipiriso chokuvonga ichi, anofanira kupa makeke echingwa chakabikwa chisina mbiriso, chakaiswa mafuta, makeke matete akabikwa pasina mbiriso, akazorwa mafuta, namakeke oupfu hwakatsetseka akanyatsokanywa akaiswa mafuta.

13. Pamwe chete nechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga anofanira kupa chipiriso chamakeke akabikwa nembiriso.

14. Anofanira kuuya nemhando imwe neimwe sechipiriso, chikamu chinopiwa kuna Jehovha; ndezvomuprista anosasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana.

15. Nyama yechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga inofanira kudyiwa musi wainopiwa. Haafaniri kusiya imwe kusvikira mangwanani.

16. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chemhiko kana kuti chiri chipiriso chokungopawo, chibayiro ichocho chichadyiwa musi wachinopiwa, asi chinhu chose chinosara chinogona kudyiwa musi unotevera.

17. Nyama yose yechibayiro inosara kusvikira zuva rechitatu inofanira kupiswa.

18. Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho.

19. “ ‘Nyama inogunzva chisina kucheneswa haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa. Kana iri imwe nyama, munhu wose akacheneswa anogona kuidya.

20. Asi kana munhu asina kuchena akadya nyama iyi yokuwadzana yaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

Revhitiko 7