Revhitiko 26:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipiti zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.

14. “ ‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira,

15. uye mukaramba mitemo yangu, mukasema mirayiro yangu, mukatadza kuzadzisa zvose zvandakarayira, saizvozvo mukaputsa sungano yangu,

16. ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya.

Revhitiko 26