Revhitiko 25:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa.

16. Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa.

17. Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Revhitiko 25