Revhitiko 25:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi pagomo reSinai,

2. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha.

3. Kwamakore matanhatu dyarai minda yenyu, uye kwamakore matanhatu, dimurirai mizambiringa yenyu mugounganidza michero yayo.

4. Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata rokuitira Jehovha. Musadyara minda yenyu kana kudimurira mizambiringa yenyu.

Revhitiko 25