1. Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira.
2. Saka naizvozvo moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukavapisa vose ndokubva vafa pamberi paJehovha.
3. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ”