Zvino ivo kana vakawanikwa navarume vanobva kuna mamwe marudzi aIsraeri, ipapo nhaka yavo ichabviswa panhaka yamadzitateguru edu ikawedzerwa kurudzi urwo rwavawanikwa narwo. Nokudaro chikamu chenhaka yakagoverwa kwatiri nemijenya chichabviswa.