Numeri 26:22-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.

23. Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; Pua kwakabva mhuri yavaPua;

24. Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi; Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi.

25. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.

26. Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.

27. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.

28. Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:

29. Zvizvarwa zvaManase: Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi); Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.

30. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi: Yezeri, kwakabva mhuri yaYezeri; Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;

31. Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;

32. Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.

Numeri 26