Numeri 10:26-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri;

27. uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari.

28. Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo.

29. Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.”

30. Iye akapindura akati, “Kwete, handingaendi; ndiri kudzokera kunyika yangu nokuvanhu vokwangu.”

31. Asi Mozisi akati kwaari, “Ndapota hangu regai kutisiya. Munoziva patinofanira kuvaka musasa wedu murenje, uye imi mungava meso edu.

32. Kana mukaenda nesu, tichagovana nemi chinhu chipi nechipi chatichapiwa naJehovha.”

33. Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera.

34. Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa.

35. Paingosimuka areka, Mozisi aiti, “Haiwa Jehovha, simukai! Vavengi venyu ngavaparadzirwe, vavengi venyu ngavatize pamberi penyu.”

36. Payaigadzikwa pasi, iye aiti, “Haiwa Jehovha, dzokai kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri.”

Numeri 10