Muparidzi 4:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

5. Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza.

6. Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.

7. Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva.

8. Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana munun'una. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura!

9. Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

10. Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza!

Muparidzi 4