Mateo 5:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,

2. uye akatanga kuvadzidzisa achiti:

3. “Vakaropafadzwa varombo pamweya,nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

4. Vakaropafadzwa vanochemanokuti vachanyaradzwa.

5. Vakaropafadzwa vanyoronokuti vachagara nhaka yenyika.

6. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakaruramanokuti vachagutswa kwazvo.

Mateo 5