Mateo 5:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,

2. uye akatanga kuvadzidzisa achiti:

3. “Vakaropafadzwa varombo pamweya,nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

4. Vakaropafadzwa vanochemanokuti vachanyaradzwa.

5. Vakaropafadzwa vanyoronokuti vachagara nhaka yenyika.

6. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakaruramanokuti vachagutswa kwazvo.

7. Vakaropafadzwa vane tsitsinokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.

8. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,nokuti vachaona Mwari.

9. Vakaropafadzwa vanoyananisanokuti vachanzi vana vaMwari.

10. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururamanokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

11. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.

12. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

13. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

Mateo 5