Mateo 26:57-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

57. Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.

58. Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.

59. Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye.

60. Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya

61. vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ”

62. Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?”

Mateo 26