Mateo 26:51-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

51. Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru.

52. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo.

53. Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makumi gumi namaviri?

54. Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”

55. Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga.

56. Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.

57. Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.

Mateo 26