Mateo 24:31-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.

32. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava padyo.

33. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.

34. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.

35. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

36. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.

37. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

38. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,

39. uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

40. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

41. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

42. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.

Mateo 24