3. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
4. “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
5. “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.
6. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.
7. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
8. “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
9. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’
10. Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
11. “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
12. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
13. “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
14. “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
15. Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.
16. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
17. Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
18. Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?
19. Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari