19. “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.
20. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
21. Ipapo Petro akauya kuna Jesu uye akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?”
22. Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
23. “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake.
24. Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumia akauyiswa kwaari.