Mateo 10:40-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.

41. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.

42. Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”

Mateo 10