Mapisarema 86:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi.

2. Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3. Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.

5. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

Mapisarema 86