1. Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi.
2. Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
3. Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
4. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.
5. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.
6. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.
7. Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.
8. Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu.
9. Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe; dzicharumbidza zita renyu.
10. Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari.