37. mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
40. Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!
41. Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
42. Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
43. zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani.
44. Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo.
45. Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru.
46. Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu.
47. Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando.
48. Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.
49. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.