31. kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri.
32. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
33. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
34. Pose pavairayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari.
35. Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
36. Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;
37. mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
40. Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!
41. Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
42. Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
43. zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani.
44. Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo.
45. Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru.
46. Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu.