26. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.
27. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.
28. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose.
29. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.
30. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,
31. kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri.
32. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
33. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
34. Pose pavairayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari.
35. Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
36. Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;
37. mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.