Mapisarema 74:2-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara.

3. Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.

4. Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo.

5. Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.

6. Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.

7. Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.

8. Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.

9. Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.

10. Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?

11. Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!

12. Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.

13. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.

14. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.

15. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.

16. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.

17. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.

18. Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.

19. Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.

Mapisarema 74