Mapisarema 71:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa, pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye.

5. Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.

6. Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai.

7. Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.

8. Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.

9. Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera.

Mapisarema 71