Mapisarema 71:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchadzosa upenyu hwangu zvakare; kubva kwakadzika kwepasi muchandibudisazve.

21. Muchawedzera kukudzwa kwangu, uye muchandinyaradzazve.

22. Ndichakurumbidzai nembira nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu; ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa, imi Mutsvene woga waIsraeri.

23. Miromo yangu ichadanidzira nomufaro pandinokurumbidzai nenziyo, iyeni, wamakadzikinura.

Mapisarema 71