15. Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.
16. Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.
17. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.
18. Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
19. Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.
20. Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.
21. Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.
22. Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva.
23. Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.