7. iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi.
8. Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro.
9. Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.
10. Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo.