3. Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha; Sera Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.
4. Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vana meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo.
5. Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
6. Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene. Sera
7. Mwoyo wangu wakasimba, imi Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.
8. Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza.