Mapisarema 44:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare.

2. Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire.

3. Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

4. Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.

5. Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6. Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;

7. asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.

8. Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera

Mapisarema 44