Mapisarema 41:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

7. Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,

8. “Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.”

9. Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo.

10. Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive.

11. Ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi.

12. Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

13. Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi. Ameni naAmeni.

Mapisarema 41