Mapisarema 41:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

2. Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.

3. Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

4. Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”

5. Vavengi vangu vachindigodora vanoti, “Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”

6. Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

7. Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,

Mapisarema 41