Mapisarema 2:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”

7. Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.

8. Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.

9. Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10. Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.

11. Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.

12. Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Mapisarema 2