1. Ndichengetei zvakanaka, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri.
2. Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”
3. Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.
4. Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.
5. Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.