Mapisarema 142:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.

2. Ndinodurura kugunun'una kwangu pamberi pake; ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.

3. Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo.

Mapisarema 142