Mapisarema 140:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.

2. Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose.

3. Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera

4. Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu.

5. Vanhu vanozvikudza vakandivanzira musungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera

6. Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.

Mapisarema 140