Mapisarema 13:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;

4. muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

5. Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.

6. Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.

Mapisarema 13