Mapisarema 128:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.

2. Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

3. Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.

4. Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.

5. Dai Jehovha akuropafadzai kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; dai maona henyu kubudirira kweJerusarema,

Mapisarema 128